Isaiah 53

1Ndianiko akatenda zvatakaparidza,
uye ruoko rwaJehovha rwakaratidzwa kuna aniko?
2Akamera pamberi pake sebukira nyoro,
uye somudzi pavhu rakaoma.
Akanga asina runako kana chimiro choumambo kuti atikwezve kwaari,
hapana chatingada pakuratidzika kwake.
3Akazvidzwa uye akarambwa navanhu, murume wokusuwa,
uye anoziva kutambudzika.
Somunhu anovanzirwa chiso navanhu, akazvidzwa,
uye isu hatina kumukudza.
4Zvirokwazvo akatakura matenda edu,
uye akatakura kurwadziswa kwedu;
asi isu takafunga kuti akarohwa naMwari,
akarohwa naye uye akarwadziswa.
5Asi akabayiwa nokuda kwokudarika kwedu,
akakuvadzwa nokuda kwezvakaipa zvedu;
kurohwa kwakativigira rugare kwaiva pamusoro pake,
uye namavanga ake takaporeswa.
6Isu tose takanga takarasika samakwai,
mumwe nomumwe nenzira yake,
asi Jehovha akaisa pamusoro pake
kuipa kwedu tose.

7Akamanikidzwa uye akarwadziswa,
asi haana kushamisa muromo wake;
akatungamirirwa segwayana riri kundobayiwa,
uye sokunyarara kwegwai pamberi pomuveuri waro,
saizvozvo haana kushamisa muromo wake.
8Akabviswa achimanikidzwa uye akatongwa.
Uye ndianiko angataura rudzi rwake?
Nokuti akagurwa kubva panyika yavapenyu,
nokuda kwokudarika kwavanhu vangu, akarohwa.
9Akapiwa guva rake pakati pavatadzi,
uye akava navapfumi pakufa kwake,
kunyange akanga asina kuita zvechisimba,
uye kunyengera kusina kuwanikwa mumuromo make.

10Asi kwakanga kuri kuda kwaJehovha kuti amukuvadze uye aite kuti atambudzike,
uye kunyange zvazvo Jehovha akaita kuti upenyu hwake huve chipiriso chezvivi,
achaona zvibereko zvake uye achawedzera mazuva ake,
uye kuda kwaJehovha kuchabudirira muruoko rwake.
11Shure kwokutambudzika kwomweya wake,
achaona chiedza choupenyu uye achagutsikana;
nokuziva kwake, muranda wangu akarurama acharuramisira vazhinji,
uye achatakura kuipa kwavo.
12Naizvozvo ndichamupa mugove pakati pavakuru vakuru,
uye achagoverana zvakapambwa navane simba,
nokuti akadurura upenyu hwake kusvika parufu,
akaverengwa pamwe chete navadariki.
Nokuti akatakura chivi chavazhinji,
akanyengeterera vadariki.
Copyright information for SnaBDSC